KUGADZIRWA KOMUGWAGWA LUVEVE KWANONOKA

Angelah Nothando Mlotshwa

Mamiriro yemigwagwa yenyika yeZimbabwe yashata zvekushata zviye, kunyanya yeGuta re Bulawayo zwakonzera kuti kuvharwe chinhanho chemgwagwa wakanga kumarokishi ekumadokero.

Mugwagwa uyu wangawapera tara zvichikonzera kuti matyayiri vafambise ngoro dzemoto muhuruva kunge varityaira mumaruva.

Munyori mukuru wekanzuru yeguta reBulawayo, VaChristopher Dube, vazozivisa ruzhinji kuti kuchavanekunonoka kwekuvandudzwa kwemugwagwa wakanaga kuLuveve. Mukutaura, vaDube vakati;

“Guta reBulawayo rinoda kuzivisa veruzhinji kuti basa rekuvandudza mugwagwa weLuveve richanonoka kupera nemasvondo manomwe kusvika musi wa 31 Mbudzi 2023”.

Zvakaonekwa kuti kunonoka kunonzi kunokonzerwa nekunaya kwemvura mumwedzi waKukadzi 2023, uye nemamiriro akashata epasi. Kurikunzi tafura yemvura yepasi penyika yakakwira / ivhu rakatota nemvura uye ivhu rakakwirira.

“Izvi zvakakanganisa mabasa ekuvaka uye zvave kuda kuwedzerwa nguva, zvakakonzera kuti mitengo iwedzere. Ivhu rakawedzera rinoda kucheneswa kwakadzama uye tafura yemvura yakakwirira inoda kuiswa pasi pevhu.”

Akazowedzera kuti kuitira kuchengetedza veruzhinji vanofamba nemotokari, vanofamba netsoka uye vashandi panguva yebasa pane mamwe matanho ekudzora kutyaira anofanirwa kuiswa anosanganisira, kuvharwa kwemigwagwa yengoro kwezvikamu netraffic ichitsauswa zvakafanira, kuvharwa kwenzira pazvinenge zvakakodzera, kuisa mahumps; uye kumisa zviratidzo zvinoudza vanhu kuti vasamire munzvimbo murikuitwa mabasa ekugadzira mugwagwa uyu.

“Veruzhinji vanorayirwa kuti vangwarire pavanenge vachipinda nokubuda munzvimbo dzebasa rokugadzira mugwagwa uye kucherechedza zviratidzo zvose. Kukanganisa kwese kwakakonzerwa tinozvidemba nemoyo wese”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *