KUTSANANGURWA KWEMICHATO YECHI ISLAMIC

…hakuna tsananguro ingapiwe pakuita hupombwe, kupata kana kuenda pabonde zviri kunze kwemuchato nekuti varume vagara vatopihwa mvumo yekuroora barika…


Angelah Nothando Mlotshwa

Muchitendero che Islam kuenda pabonde nemunhu wausina kuroorana naye hazvibvumirwe.

Chitsidzo chemuchato chinonzi Nikaah muchi Arabic. Izvi zvinoreva zvinhu zviviri zvinova hukama hwekusangana pabonde pamwe nehukama hwekuroorana.

Nikaah inotsanagurwa sechibvumirano chinoitwa pakati pemunhurume nemunhukadzi vanogara vese vachibetserana mune zvese pasina miganhu.

ZIM GBC NEWS yaongorora ikaona kuti kusimba kwemichato yechiIslamic kunobetsera magariro avo zvinova izvo zvinobetsera pakuyarutsa vana vanehunhu hwakanaka.

Komichi we Islamic New Hope Trust, Rajeev Ali Mlando vaudza ZIM GBC NEWS kuti muchato pachezvawo muchitendero che Islam inzira yokuzadzisa zvidiso zvepabonde pasina marooro anobviswa sezvinotwa kumichato yeChinyakare kana yechiKristu.

“Cherechedza kuti handina kumbotaura nezvekubvisa roora. Zvinoreva izvo kuti muchitendero ichi hapana panonzi murume ngaabvise roora kumhuri yomukadzi, asi anopa chipo chekutenda pasinei nehudiki hwacho” vataura VaMlambo.

Zvisinei, kunemhando seri dzemichato isingabvumirwe. Umwe wemichato iyi kuroora hama ingave yepedyo kana yekure kungave kubva kudzinza raamai kana rababa.

Barika kuIslam rinotenderwa nekuti vanotenda inzira yokubetsera nayo vurume kuti vasaita zvipande kunze kana hupombwe nekupata naizvozvo murume anobvumirwa kuroora vakadzi vana.

Kuchitendero ichi zvakare vanotenda kuti barika rinoremekedza vakadzi nekuti vanenge varoorwa pamutemo zvinoita vazivikanwe pamwe nekuwana kodzero dzose dzinowanikwa nevakadzi kuIslam.

Hupombwe, kupata pamwe nemakunakuna mugwaro reQuran rinoti vanopata vanozvamburwa shamhu dzinosvika churu umwe neumwe, vanoita hupombwe vanouraiwa nekutemwa nematombo.

“Naizvozvo vamwe vevanhu vanogona kuti izvi zvava kumakata zvanyaya, asi tinoti ndiani angatinzwisise kudarika isu varidzi vechitendero? Musiki wedu anotiziva zviri nani, patinodarika nepo naizvozvo anotipa mitemo inotidzivirira mukuita zvivi izvi”, vanotaura zvakare vaMlambo.

VaMlambo vawedzera vachiti hapana kuzvitsanangura kungaitwe nemunhu aita hupombwe nekuti varume vagara vatobvumirwa kuroora vakadzi vana naizvozvo hapana tsananguro ingapihwe kana munhu aita chivi ichi.

“Chitendero chedu chaita kuti zvinhu zvivenyore kuvarume. Hapana zvinhu zvakawanda zvinodiwa, gungano diki chero rinevanhu vasere rinogona kuungana potoitwa muchato”, vawedzera VaMlambo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *